Exodus 33:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muende kunyika inoyerera mukaka noʋuci, nokuti ini handiŋgakwiri pakati penyu, nokuti muri ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwirai kunyika inoyerera mukaka nouchi. Asi ini handiendi nemi, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu uye ndingazokuparadzai munzira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiendai zvenyu kunyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi nokuti ini handichaenda ndiri pakati penyu. Ndingadaro ndikazokuparadzai nokuti imi muri tsvuuramuromo dzavanhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nokuti ini handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.”
Shona 2009?
muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nokuti ini handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira."
Shona SUB 2002 Bible
muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nokuti ini handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.”