Exodus 33:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Uti kuʋana ʋaIsraeri: Muri ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu ciŋguʋa cimŋe ciɗuku‐ɗuku, ndiŋgakuparadzai; naiɀoɀo bvisai ɀishoŋgo ɀenyu ɀino, ndiziʋe candiŋgakuitirai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri uti, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu. Kana dai ndingaende nemi kunyange kwenguva duku, ndingakuparadzai. Zvino bvisai zvishongo zvenyu uye ini ndichafunga zvokuita nemi.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuvaIsiraeri, ‘Imi muri tsvuuramuromo dzavanhu, kana ndikaenda ndiri pakati penyu, kunyange kwakanguva kaduku ndingakutsakatisei.’ Zvino chibvisai zvishongo zvenyu zvendarama, ndigozoona zvangu zvandichaita nemi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Uti kuvana vaIsiraeri, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku-duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.’ ”
Shona 2009?
lpapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Uti kuvana valsiraeri, `Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku-duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Uti kuvana VaIsiraeri, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku–duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.’ ”