Exodus 34:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehoʋa akati: Tarira, ndinoita suŋgano newe; ndicaita pamberi paʋanhu ʋako ɀinoshamisa, ɀisina‐kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti ʋanhu ʋose ʋauri pakati paʋo ʋaʋone ɓasa raJehova, nokuti ndinoita cinhu cinotyisa newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati, “Ndava kuita sungano newe. Ndichaita zvishamiso pamberi pavanhu vako zvisina kumboitwa kare mundudzi dzipi zvadzo munyika yose. Vanhu vaunogara pakati pavo vachaona kuti basa randichakuitira ini, Jehovha rinotyisa sei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akati, “Chinzwa ndava kuita chitenderano nemi. Ndichaita zvishamiso vanhu vako vachiona, zvishamiso zvisina kumboitwa pasi pose kunyange pakati pendudzi dzipi nedzipi zvadzo. Vanhu vose vamuchange mugere pakati pavo vachaona basa rangu ini Tenzi nokuti zvandichaita newe zvinhu zvinotyisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati, “Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.
Shona 2009?
Jehovha akati, "Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati, “Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.