Exodus 34:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti urege kuita suŋgano naʋanhu ʋagere munyika iyo, ɀino kana iʋo ʋopata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋo, ʋaciɓayira ʋamŋari ʋaʋo, mumŋe akuɗane kuti udye nyama yeɀiɓayiro ɀake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vanogara munyika; nokuti pavanenge voita ufeve hwavo kuna vamwari vavo uye vakabayira kwavari, vachakukokai uye muchadya zvibayiro zvavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mungadaro mukaita chitenderano navanhu vagere munyika iyoyo, pavanenge voita unzenza hwokupira zvibayiro zvavo kuna vamwari vavo mumwe angadaro akakukokai mukazodya chibayiro chake,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibayira vamwari vavo, mumwe akudane kuti udye nyama yezvibayiro zvake;
Shona 2009?
kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibayira vamwari vavo, mumwe akudane kuti udye nyama yezvibayiro zvake;
Shona SUB 2002 Bible
kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibayira vamwari vavo, mumwe akudane kuti udye nyama yezvibairo zvake;