Exodus 34:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mŋana wokutaŋga wemboŋgoro unofanira kuudzikinura negwaiana; kana usiŋgaɗi kuudzikinura, unofanira kuvuna mutsipa wawo. Mataŋgwe ose paʋanakomana ʋako unofanira kuʋadzikinura. Kurege kuʋa nomunhu unoʋuya pamberi paŋgu asinecinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Udzikinure dangwe rembongoro negwayana, asi kana usingaridzikinuri, urivhune mutsipa waro. Udzikinure matangwe ose kuvanakomana venyu. “Hapana munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dangwe redhongi unofanira kurinunura nehwayana. Kana usina kurinunura unofanira kurityora mutsipa waro. Matangwe enyu ose echirume avanhu ngaanunurwe. “Ngaparege kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata zvake maoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikinura negwayana; kana usingadi kuudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo. Matangwe ose pavanakomana vako unofanira kuvadzikinura. Kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu.
Shona 2009?
mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikunura negwayana; kana usingadi kuudzikunura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo. Matangwe ose pavanakomana vako unofanira kuvadzikunura. Kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu.
Shona SUB 2002 Bible
mwana wokutanga wembongoro unofanira kumudzikinura negwayana; kana usingadi kumudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo. Matangwe ose pavanakomana vako unofanira kuvadzikinura. Kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu.