Exodus 34:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋa’ko kunaJehova mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna; wakaŋga asiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esuŋgano, iyo mirairo inegumi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akanga ariko kuna Jehovha kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, asingadyi chingwa kana kunwa mvura. Uye akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo Mirayiro Gumi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akagara mugomo reSinai siku nesikati kwamazuva makumi mana aina Tenzi, asina chaainwa kana kudya. Mwari akanyora pamafendefa mitemo gumi yechitenderano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavako kuna Jehovha mazuva ana makumi mana nousiku unamakumi mana; wakanga asingadyi zvokudya kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo mirairo ine gumi.
Shona 2009?
Akavako kuna Jehovha mazuva ana makumi mana nousiku unamakumi mana; wakanga asingadyi zvokudya kana kumwa mvura. Akanyora pamabwendefa mashoko esungano, iyo mirairo ine gumi.
Shona SUB 2002 Bible
Akavako kuna Jehovha mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; wakanga asingadyi zvokudya kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo mirairo ine gumi.