Exodus 34:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi wakati aciɓuruka pagomo reSinai, Mosesi akaɓata mahwendefa maʋiri ecipupuriro mumaʋoko ake, Mosesi wakaŋga asiŋgaziʋi, aciɓuruka pagomo, kuti ganda reciso cake rakaŋga ricibginya ɀaakaŋga ataura naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati aburuka muGomo reSinai aine mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake, iye akanga asingazivi kuti chiso chake chaibwinya nokuti akanga ataura naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akazoburuka mugomo reSinai, paaiburuka mugomo akanga akatakura mumaoko mafendefa maviri eMitemo gumi. Asi haana kuziva kuti chiso chake chakanga chava kupenya pamusana pokutaura kwaakanga aita naMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi wakati achiburuka pagomo reSinai, Mosesi akabata mahwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mosesi wakanga asingazivi, achiburuka pagomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura naye.
Shona 2009?
Zvino Mozisi wakati achiburuka pagomo reSinai, Mozisi akabata mabwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mozisi wakanga asingazivi, achiburuka pagomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura naye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi wakati achiburuka pagomo reSinai, Mosesi akabata mahwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mosesi wakanga asingazivi, achiburuka pagomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura naye.