Exodus 34:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ŋgaafambe pakati peɗu, nokuti ʋanhu aʋa ʋanemitsipa mikukutu; tikaŋganwirei henyu ɀakaipa ɀeɗu neɀiʋi ɀeɗu, mutigamucirei, tiʋe nhaka yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Haiwa Jehovha, kana ndawana nyasha pamberi penyu, ipapo Jehovha ngaaende nesu. Kunyange vanhu ava vane mitsipa mikukutu, regererai henyu kuipa kwedu nechivi chedu, uye mutitore senhaka yenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati, “Tenzi kana muchifadzwa neni, ndinokumbira kuti imi Tenzi tiende muri pakati pedu kunyange zvazvo vari tsvuuramuromo dzavanhu, tiregerereiwo zvitadzo zvedu, nouipi hwedu mutigamuchire senhaka yenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nokuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikanganwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.”
Shona 2009?
Akati, "Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nokuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikangamwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nokuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikanganwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.”