Exodus 35:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakaʋuya, mumŋe nomumŋe wakamutswa nomŋoyo wake, nomumŋe nomumŋe wakatendiswa nomŋeya wake, ʋakaʋuya necipo caJehova, cokuɓate‐ɓasa retente rokusoŋgana namaɓasa aro ose, neŋguʋo tȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe nomumwe akanga abatwa mwoyo neakanga achinzwa mumwoyo make shungu dzokupa, akaunza chipo kuna Tenzi kuti chishandiswe pabasa romutendhe rokusanganira napabasa rose remo nokushandisa pahanzu dzinoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguo tsvene.
Shona 2009?
vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguvo tsvene.
Shona SUB 2002 Bible
vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguo tsvene.