Exodus 36:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Bezareri naOhoriabi ʋanofanira kuɓate‐ɓasa pamŋe cete naʋarume ʋose ʋanemŋoyo yakaŋgwara, ʋakapiwa naJehova kucenjera nokunzwisisa kuti ʋaziʋe kuɓata maɓasa ose okushuma panɀimbo tȿene, ɀose ɀakarairwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Saka Bhezareri, Ohoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi apiwa unyanzvi naJehovha uye kugona kuziva maitirwo ebasa rokuvaka imba tsvene ngavaite basa sezvakarayirwa naJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Bhezarieri naOhoriabhu vanofanira kushanda navose vakapiwa naTenzi ruzivo noungwaru hwokuita mabasa ose okuvaka Nzvimbo Inoera, sezvakanzi naTenzi zviitwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino Bhezareri naOhoriabhu vanofanira kubata basa pamwechete navarume vose vane mwoyo yakangwara, vakapiwa naJehovha kuchenjera nokunzwisisa kuti vazive kubata mabasa ose okushuma panzvimbo tsvene, zvose zvakarairwa naJehovha.”
Shona 2009?
"Zvino Bhezareri naOhoriabhu vanofanira kubata basa pamwechete navarume vose vane moyo yakangwara, vakapiwa naJehovha kuchenjera nokunzwisisa kuti vazive kubata mabasa ose okushuma panzvimbo tsvene, zvose zvakarairwa naJehovha"
Shona SUB 2002 Bible