Exodus 36:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaita ʋo ɀikorekedzo ɀendarama ɀinamakumi mashanu, akaɓatanidza macira neɀikorekedzo iɀoɀo; naiɀoɀo tabernakeri ikaʋa cinhu cimŋe cete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakaita zvikorekedzo zvegoridhe makumi mashanu ndokuzvishandisa kusonanidza zvibatanidzwa zviviri zvezvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagadzira zvikochekero zvendarama makumi mashanu, ndokubatanidza machira makuru okudzikatirisa maviri aye nezvikochekero izvozvo rikava tendhe rimwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaitawo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, akabatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo; naizvozvo tabhenakeri ikava chinhu chimwe chete.
Shona 2009?
Akaitawo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, akabatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo, naizvozvo tabhenakeri ikava chinhu chimwe chete.
Shona SUB 2002 Bible
Akaitawo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, akabatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo; naizvozvo tabhenakeri ikava chinhu chimwechete.