Exodus 36:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akaɗana Bezareri naOhoriabi, naʋarume ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋgwara, ʋakapiwa kucenjera mumŋoyo yaʋo naJehova, ʋose ʋakaŋga ʋamutswa nemŋoyo yaʋo, kuti ʋaʋuye kuzoɓate‐ɓasa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu uye munhu wose wounyanzvi uyo akapiwa kugona naJehovha uye akanga achida hake kuuya kuzoshanda basa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akadaidza Bhezarieri naOhoriabhu nenyanzvi dzose dzakanga dzapiwa njere naTenzi dzaivawo nechido chokubatsira pabasa, kuti vazoita basa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akadana Bhezareri naOhoriabhu, navarume vose vaiva nemwoyo yakangwara, vakapiwa kuchenjera mumwoyo yavo naJehovha, vose vakanga vamutswa nemwoyo yavo, kuti vauye kuzobata basa;
Shona 2009?
Zvino Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu, navarume vose vaiva nemoyo yakangwara, vakapiwa kuchenjera mumoyo yavo naJehovha, vose vakanga vamutswa nemoyo yavo, kuti vauye kuzobata basa;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akadana Bhezareri naOhoriabhu, navarume vose vaiva nemwoyo yakangwara, vakapiwa kuchenjera mumwoyo yavo naJehovha, vose vakanga vamutswa nemwoyo yavo, kuti vauye kuzobata basa;