Exodus 36:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaita ʋo ɀigadziko ɀesirveri ɀinamakumi manna pasi pamapuraŋga anamakumi maʋiri, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe paɀiɓato ɀaro ɀiʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vakaita makumi mana ezvigadziko zvesirivha kuti zviende pasi pazvo, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagadzirawo zvigadzikiro zvesirivha makumi mana zvokumisa mapango iwayo. Pabango rimwe nerimwe paiva nezvigadzikiro zviviri, zvakanga zvakagumana musana pasi pezviga zviya zvamapango.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaitawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi mana pasi pamapuranga ana makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri.
Shona 2009?
Akaitawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi mana pasi pamapuranga ana makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri.
Shona SUB 2002 Bible
Akaitawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi mana pasi pamapuranga ana makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri.