Exodus 36:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti: Kunyaŋge murume kana mukadzi ŋgaarege kuzoita ɀe ɓasa rimŋe reɀipo ɀokupa nɀimbo tȿene. Naiɀoɀo ʋanhu ʋakadziʋiswa kuzoʋuya neɀimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akarayira uye vakatuma shoko iri pakati pomusasa wose vachiti, “Ngakurege kuva nomurume kana mukadzi achaitazve chimwe chinhu sechipo chenzvimbo tsvene.” Nokudaro vanhu vakadziviswa kuuyisa zvimwe,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akatuma chirevo mumatendhe chokuti, “Ngapachirega kunge pachave nomurume kana mukadzi anouya nechipo chokushandisa muNzvimbo Inoera.” Naizvozvo vanhu vakarega kuunza zvipo izvozvo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti, “Kunyange murume kana mukadzi ngaarege kuzoitazve basa rimwe nezvipo zvokupa nzvimbo tsvene.” Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuzouya nezvimwe.
Shona 2009?
Mozisi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti, "Kunyange murume kana mukadzi ngaarege kuzoitazve basa rimwe nezvipo zvokupa nzvimbo tsvene." Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuzouya nezvimwe.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti, “Kunyangwe murume kana mukadzi ngaarege kuzoitazve basa rimwe nezvipo zvokupa nzvimbo tsvene.” Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuzouya nezvimwe.