Exodus 36:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋgwara pakati paʋaɓati ʋakaita tabernakeri namacira anegumi; ʋakaɀiita nemiceka yakarukwa yakaiȿo‐naka, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, ɀinamakerubi; raiʋa ɓasa romuɓati waigona kuɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vose vounyanzvi vakaita tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka newuru yebhuruu, pepuru netsvuku, namakerubhi akasonerwa mazviri nemhizha ino unyanzvi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vose vaiva noruzivo rwokuita mabasa pakati penyanzvi dzakanga dzauya, vakagadzira tendhe rinoera vachiritenderedza namachira makuru okudzikatirisa gumi namaviri, erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku, akarukirirwa zvakanakisisa makerubhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vose vaiva nemwoyo yakangwara pakati pavabati vakaita tabhenakeri namachira ane gumi; vakazviita nemicheka yakarukwa yakaisvonaka, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvinamakerubhi; raiva basa romubati waigona kubata.
Shona 2009?
Zvino varume vose vaiva nemoyo yakangwara pakati pavabati vakaita tabhenakeri namachira ane gumi; vakazviita nemicheka yakarukwa yakaisvonaka, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvinamakerubhi; raiva basa romubati waigona kubata.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vose vaiva nemwoyo yakangwara pakati pavabati vakaita tabhenakeri namachira ane gumi; vakazviita nemicheka yakarukwa yakaisvonaka, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvinamakerubhi; raiva basa romubati waigona kubata.