Exodus 36:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kureɓa kwejira rimŋe kwaiʋa makubiti makumi maʋiri namasere, noʋupamhi bgejira rimŋe makubiti manna; macira ose akaŋga akaenzana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvidzitiro zvose zvakanga zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namaserea uye makubhiti manab paupamhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machira acho ose akanga akaenzana, urefu hwawo hwaiita mamita gumi namaviri, hwasha hwawo huchiita mamita maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kureba kwejira rimwe kwaiva makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi hwejira rimwe makubhiti mana; machira ose akanga akaenzana.
Shona 2009?
Kureba kwejira rimwe kwaiva makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi bwejira rimwe makubhiti mana; machira ose akanga akaenzana.
Shona SUB 2002 Bible
Kureba kwejira rimwe kwaiva makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi hwejira rimwe makubhiti mana; machira ose akanga akaenzana.