Exodus 37:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaita ʋo cigadziko cemŋenje cendarama yakaiȿo‐naka; akaita cigadziko nendarama yakapambadzirwa, cigadziko caco, nehunde yaco, notumbiya twaco, namafundo aco, namaruʋa aco; ɀose ɀikaʋa cinhu cimŋe cete naco;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaipambadzira, chigadziko nehunde; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagadzirawo chigadzikiro chomwenje, cheminora chendarama chaiyo yakanakisisa, pamwechete negaro racho nehunde yacho akazvigadzira achiita zvokupfura. Maruva acho akazaruka namamwe asati azaruka, akanga akabatanidzwa nacho kuita chinhu chimwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; akaita chigadziko nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, notumbiya twacho, namafundo acho, namaruva acho; zvose zvikava chinhu chimwe chete nacho;
Shona 2009?
Akaitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; akaita chigadziko nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, notumbiya twacho, namafundo acho, namaruva acho; zvose zvikava chinhu chimwe chete nacho;
Shona SUB 2002 Bible
Akaitawo chigadzikiro chemwenje chendarama yakaisvonaka; akaita chigadzikiro nendarama yakapambadzirwa, chigadzikiro chacho, nehunde yacho, notumbiya twacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose zvikava chinhu chimwechete nacho;