Exodus 37:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaita ʋo artari yeɀinonhuwira nomuakasia; kureɓa kwayo kwakaŋga kuri kubiti rimŋe, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe ɀe; nhiʋi dzose inna dzakaŋga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri, nenyaŋga dzayo dzakaŋga dziri cinhu cimŋe cete nayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaita aritari yezvinonhuwira namatanda omuakasia. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chetej uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti mavirik pakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaveza mapango omuunga ndokugadzira atari yokupisira rusenzi. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana. Urefu hwayo hwaiva masendimita makumi mana ana masendimita mashanu, upamhi hwayo huchiita masendimita makumi mana ana masendimita mashanu. Kukwira kwayo mudenga kwaiita masendimita makumi mapfumbamwe. Zvinenge nyanga zviri pamusoro pamakona ayo zvakavezwa zvakabatanidzwa nayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaitawo atari yezvinonhuwira nomuakasia; kureba kwayo kwakanga kuri kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwezve; nhivi dzose ina dzakanga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiva makubhiti maviri, nenyanga dzayo dzakanga dziri chinhu chimwe chete nayo.
Shona 2009?
Akaitawo aritari yezvinonhuhwira nomuakasia; kureba kwayo kwakanga kuri kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwezve; nhivi dzose ina dzakanga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiva makubhiti maviri, nenyanga dzayo dzakanga dziri chinhu chimwe chete nayo.
Shona SUB 2002 Bible
Akaitawo atari yezvinonhuwira nomuakeshia; kureba kwayo kwakanga kuri kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwezve; nhivi dzose ina dzakanga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiva makubhiti maviri, nenyanga dzayo dzakanga dziri chinhu chimwechete nayo.