Exodus 38:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaita artari yeɀiɓayiro ɀinopiswa nomuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti mashanu, noʋupamhi bgayo makubiti mashanu; yakaŋga inenhiʋi inna dzakaŋga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiʋa makubiti matatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuakasia, yakakwirira makubhiti matatua; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanub pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaveza mapango omuunga akagadzira atari. Kureba kwayo kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo hwaiva mamita mazana maviri ana masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kwakanga kuchiita mita imwechete, ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari akanga akaenzana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaita atari yezvibayiro zvinopiswa nomuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; yakanga ine nhivi ina dzakanga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiva makubhiti matatu.
Shona 2009?
Akaita aritari yezvibayiro zvinopiswa nomuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; yakanga ine nhivi ina dzakanga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiva makubhiti matatu.
Shona SUB 2002 Bible
Akaita atari yezvibairo zvinopiswa nomuakeshia; kureba kwayo kwaiva makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; yakanga iine nhivi ina dzakanga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiva makubhiti matatu.