Exodus 38:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cidzitiro cesuʋo roruʋazhe cakaŋga cakaitwa nomusoni, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa; kureɓa kwaco kwaiʋa namakubiti anamakumi maʋiri, nokukwirira paʋupamhi bgaco makubiti mashanu, ɀakafanana neɀirembedzwa ɀemiceka paruʋazhe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chidzitiro chomukova wokupinda muruvazhe chaiva chewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki. Chakanga chakareba makubhiti makumi mavirif, chakaita sechidzitiro chaparuvazhe, makubhiti mashanug kukwirira kwacho,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jira rokudzikatirisa pasuo rokupinda muruvanze macho rakanga rakarukwa namachira erineni akanakisisa. Rakanga rakarukirirwa richishongedzwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku urefu hwaro huchiita mamita mapfumbamwe, kureba kwaro mudenga kuchiita mamita maviri sezvakangoita machira okudzikatirisa enhandare iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chidzitiro chesuo roruvanze chakanga chakaitwa nomusoni, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwacho kwaiva namakubhiti ana makumi maviri, nokukwirira paupamhi hwacho makubhiti mashanu, zvakafanana nezvirembedzwa zvemicheka paruvanze.
Shona 2009?
Chidzitiro chesuo roruvanze chakanga chakaitwa nomusoni, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwacho kwaiva namakubhiti ana makumi maviri, nokukwirira paupamhi hwacho makubhiti mashanu, zvakafanana nezvirembedzwa zvemicheka paruvanze.
Shona SUB 2002 Bible
Keteni resuwo roruvanze rakanga rakaitwa nomusoni, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwacho kwaiva namakubhiti ana makumi maviri, nokukwirira paupamhi hwacho makubhiti mashanu, zvakafanana nezvirembedzwa zvemicheka paruvanze.