Exodus 38:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiko kuwanda kweɀinhu ɀetabernakeri, ɀetabernakeri yecipupuriro, pakuʋereŋgwa kwaɀo nokuraira kwaMosesi; ʋaRevi ʋakaite‐ɓasa iro ʋacirairwa naItamari, mŋanakomana waAroni muprista.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uku ndiko kuwanda kwezvinhu zvakashandiswa patabhenakeri, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, zvakanyorwa pakurayira kwaMozisi navaRevhi vari pasi paItamari mwanakomana waAroni, muprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zviri pano apa ndizvo zvose zvakashandiswa mutendhe rinoera, tendhe rechitenderano, sokuverengwa kwazvakaitwa zvichitungamirirwa naItamaru, mwanakomana womupristi Aroni, sokuudzwa kwaakanga aitwa naMosesi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiko kuwanda kwezvinhu zvetabhenakeri, zvetabhenakeri yechipupuriro, pakuverengwa kwazvo nokuraira kwaMosesi; vaRevhi vakaita basa iro vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
Shona 2009?
Ndiko kuwanda kwezvinhu zvetabhenakeri, zvetabhenakeri yechipupuriro, pakuverengwa kwazvo nokuraira kwaMozisi; vaRevhi vakaita basa iro vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni muprista.
Shona SUB 2002 Bible
Ndiko kuwanda kwezvinhu zvetabhenakeri, zvetabhenakeri yechipupuriro, pakuverengwa kwazvo nokuraira kwaMosesi; vaRevhi vakaita basa iro vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.