Exodus 39:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nebanhire romuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, rikaʋa ɓasa romusoni unogona, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa wakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kwoti mundya wejira rerineni rakanakisisa rakarukirirwa newuru neyeruvara rwedenga neruvara rwehute netsvukutsvuku, sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nebhanhire romucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, rikava basa romusoni anogona, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
Shona 2009?
nebhanhire romucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, rikava basa romusoni anogona, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
nebhandi romucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, rikava basa romusoni anogona, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.