Exodus 39:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nebanhire rakarukwa nomuɓati wakacenjera, rakaŋga riri pamsoro payo, rokuisuŋga naro; cakaŋga ciri cinhu cimŋe cete nayo, rakaitwa saiyo; rendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhande rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa wakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nomundya wayo wokuisungisa wakanga wakanyatsorukwa nejira rakafanana nerayo, rerineni rakanakisisa, wakarukirwa neshinda yendarama newuru neyeruvara rwedenga noruvara rwehute netsvuku, sezvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, rakanga riri pamusoro payo, rokuisunga naro; chakanga chiri chinhu chimwe chete nayo, rakaitwa saiyo; rendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
Shona 2009?
Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, rakanga riri pamusoro payo, rokuisunga naro; chakanga chiri chinhu chimwe chete nayo, rakaitwa saiyo; rendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Nebhandi rakarukwa nomubati wakachenjera, rakanga riri pamusoro payo, rokuisunga naro; chakanga chiri chinhu chimwechete nayo, rakaitwa saiyo; rendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.