Exodus 39:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaita ʋo homboɗo yecifuʋa, raiʋa ɓasa romuɓati wakacenjera, seɀakaitwa ʋo efodi; akaiita nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaita chidzitiro chechipfuva, basa remhizha ino unyanzvi. Vakachiita seefodhi: negoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa wakaisvonaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagadzira nyembe yepadundundu yakanyatsogadzirwa yakaitwa sezvakaitwa efodhi. Yakagadzirwa nejira rerineni rakanakisisa, rakarukirirwa neshinda yendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaitawo hombodo yechipfuva, raiva basa romubati wakachenjera, sezvakaitwawo efodhi; akaiita nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa.
Shona 2009?
Akaitawo hombodo yechipfuva, raiva basa romubati wakachenjera, sezvakaitwawo efodhi; akaiita nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa.
Shona SUB 2002 Bible
Akaitawo hombodo yechipfuva, raiva basa romubati wakachenjera, sezvakaitwawo efodhi; akaiita nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa.