Exodus 4:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akapindura, akati: Asi tarirai, haʋaŋganditendi, kana kuterera inzwi raŋgu, nokuti ʋacati: Jehova haana‐kuɀiratidza kwauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akapindura akati, “Ko, kana vakasanditenda kana kunditeerera uye vakati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri’?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akapindura achiti, “Ko, kana vaIsiraeri vakaramba kubvuma zvandichareva vasinganditeereri vachiti, ‘Inhema, Tenzi haana kuzviratidza kwauri, panozoitwa sei?’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akapindura akati, “Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera izwi rangu, nokuti vachati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri.’ ”
Shona 2009?
Zvino Mozisi akapindura akati, "Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera inzwi rangu, nokuti vachati, `Jehovha haana kuzviratidza kwauri.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akapindura akati, “Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera izwi rangu, nokuti vachati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri.’ ”