Exodus 4:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Haiwa, Jehova, handizi munhu unogona kutaura ɀakanaka, kunyaŋge zuro, kana zuroriya, kana kubva paŋguʋa yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu unomuromo usiŋgagoni norurimi rusiŋgagoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati kuna Jehovha, “Haiwa Jehovha, handina kumbogona kutaura, kunyange nakare, kana kubva pamataura nomuranda wenyu. Ndinokakama pakutaura uye rurimi rwangu runononoka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati kuna Tenzi, “Tenzi wangu, ini handigoni kunyatsotaura. Hazvisi zvanhasi chete, ndakangobvira kare ndakadai, kanawo pamanga muchitaura neni ndizvo ndizvo. Ini ndinondandama nokutaura ndichikakama.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.”
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, "Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyangwe zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.”