Exodus 4:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kutsamŋa kwaJehova kwakamukira Mosesi, akati: Ko Aroni, mukoma wako, muRevi, haazi’po here? Ndinoziʋa kuti iye unogona kutaura kwaɀo. Ɀino tarira, wotoɓuɗa kusoŋgana newe; kana acikuʋona ucafara mumŋoyo make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paMozisi uye akati, “Ko, mukoma wako, Aroni muRevhi? Ndinoziva kuti anogona kutaura zvakanaka. Ari munzira kuzokuchingamidza izvozvi, uye mwoyo wake uchafara paachakuona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Tenzi akashatirirwa Mosesi akati, “Inga mukoma wako Aroni, muRevhi, ariko wani! Ndinoziva kuti iye anogona kutaura zvakanaka. Chiteerera unzwe, izvozvi ari kutouya kuzokuchingura, paachakuona achafara zvikuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mosesi, akati, “Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumwoyo make.
Shona 2009?
Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mozisi, akati, "Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mosesi, akati, “Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumwoyo make.