Exodus 4:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi wakaenda, akadzokera kunaJetero, mukarabga wake, akati kwaari: Ƌonditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzaŋgu Egipita, ndindoʋona kana ʋaciri ʋapenyu. Jetero akati kunaMosesi: Enda hako norugare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akadzokera kuna Jeturo tezvara wake akati kwaari, “Regai ndidzokere kuvanhu vokwangu kuIjipiti kuti ndinoona kana vachiri vapenyu.” Jeturo akati, “Enda hako, ufambe zvakanaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akadzokera kuna vatezvara vake vaJetero ndokusvikoti, “Ndibvumireiwo kudzokera kuIjipiti kundoona hama dzangu kuti vapenyu here.” Jetero akati kuna Mosesi, “Zvakanaka, enda hako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, “Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Ijipiti, ndindoona kana vachiri vapenyu.” Jeturo akati kuna Mosesi, “Enda hako norugare.”
Shona 2009?
Zvino Mozisi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, "Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Ijipiti, ndindoona kana vachiri vapenyu." Jeturo akati kuna Mozisi, "Enda hako norugare."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, “Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Ijipiti, ndindoona kana vachiri vapenyu.” Jeturo akati kuna Mosesi, “Enda hako norugare.”