Exodus 4:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kunaMosesi: Kana wodzokera Egipita, cenjera kuti uite pamberi paFarao ɀishamiso ɀose ɀandaisa muruʋoko rwako; asi ndicawomesa mŋoyo wake, kuti arege kutendera ʋanhu kuenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Paunodzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvose pamberi paFaro, ndakupa simba rokuita izvozvo. Asi ndichaomesa mwoyo wake zvokuti haazotenderi vanhu kuenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Zvino kana wadzokera kuIjipiti, ibva wandoitira Farao pameso pake zvishamiso zviya zvose zvandakakupa simba rokuita. Asi ndichaita kuti Farao aomese mwoyo, arege kubvumira vaIsiraeri kubva munyika make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kuna Mosesi, “Kana wodzokera Ijipiti, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa mwoyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda.
Shona 2009?
Jehovha akati kuna Mozisi, "Kana wodzokera Ijipiti, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa moyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kuna Mosesi, “Kana wodzokera Ijipiti, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa mwoyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda.