Exodus 4:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wakati kunaAroni: Enda kurenje undosoŋgana naMosesi. Iye akaenda, akandosoŋgana naye pagomo raMŋari, akamuȿeta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Aroni, “Enda kurenje undosangana naMozisi.” Saka akasangana naMozisi pagomo raMwari uye akamutsvoda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Aroni kuti, “Enda undochingura Mosesi kurenje.” Aroni akandosangana naMosesi pagomo raMwari, akamukwazisa achimutsvoda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, “Enda kurenje undosangana naMosesi.” Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, "Enda kurenje undosangana naMozisi." Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, “Enda kurenje unosangana naMosesi.” Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda.