Exodus 4:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ʋatende kuti ndini Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakaɀiratidza kwauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati, “Izvi ndezvokuti vagotenda kuti Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, azviratidza kwauri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari ndokuti, “Kana ukandoita izvozvi vaIsiraeri vachabvuma kuti ndakazviratidza kwauri ini Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu. Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari waIsaki, naMwari waJakobho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwauri.”
Shona 2009?
kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwauri."
Shona SUB 2002 Bible
kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwauri.”