Exodus 4:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati ʋo kwaari: Isa ruʋoko rwako mucifuʋa cako: akaisa ruʋoko rwake mucifuʋa cake; ɀino wakati acirubvisa, ʋonei ruʋoko rwake rwaʋa namaperembudzi, rwati mbembe secando.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati, “Isa ruoko rwako muchipfuva chako.” Saka Mozisi akaisa ruoko rwake muchipfuva chake, uye paakarubudisa, rwakanga rwachena maperembudzi, sechando.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akatizve, “Isa ruoko rwako muhanzu dzako nechapadundundu pako.” Mosesi akaisa ruoko rwake muhanzu nechapadundundu. Paakaruburitsa, akaona rwangoti mbe-e kuchena, rwava namaperembudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akatiwo kwaari, “Isa ruoko rwako muchipfuva chako.” Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando.
Shona 2009?
Jehovha akatiwo kwaari, "Isa ruoko rwako muchipfuva chako." Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akatiwo kwaari, “Isa ruoko rwako muchipfuva chako.” Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando.