Exodus 5:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋaiswa pamsoro paʋo naʋarairi ʋaFarao, ʋaisirobga, ɀicinzi: Makaregerei kupedza ɓasa renyu razuro neranhasi muciita ɀitina seɀamakaita kuȿikira ɀino?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakuru vakuru vavaIsraeri vakanga vagadzwa navatariri vebasa vaFaro vakarohwa uye vakabvunzwa kuti, “Seiko musina kupedza basa renyu rezvidhina zvanezuro nezvanhasi, sezvamaichiita kare pamaipuwa uswa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIjipiti vaya vaishandisa vaIsiraeri vakarova vaIsiraeri vaye vakanga vasarudzwa kutungamirira vamwe pabasa vachiti, “Chii chakutadzisai kupedza mugwazo wenyu wezvidhina wanhasi sezvamaimboita?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navatariri vavana vaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi, “Makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?”
Shona 2009?
Navatariri vavana vaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?'
Shona SUB 2002 Bible
Navatariri vavana VaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi, “Makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?”