Exodus 5:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Farao akati: Jehova ndiye aniko, kuti nditerere inzwi rake, kuti nditendere ʋaIsraeri kuenda? Handimuziʋi iye Jehova, neni handiŋgatenderi ʋaIsraeri kuenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Faro akati, “Jehovha ndianiko, kuti ndigomuteerera uye ndigorega vaIsraeri vachienda? Handimuzivi Jehovha iyeye uye handidi kurega vaIsraeri vachienda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Farao akati, “Ko Tenzi iyeyo ndiani chaizvoizvo wandinganzi ini nditeerere, ndigorega vaIsiraeri vachienda? Tenzi wacho handimuzivi. Saka ini handibvumirewo vaIsiraeri kuenda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Farao akati, “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere izwi rake, kuti nditendere vaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsiraeri kuenda.”
Shona 2009?
Farao akati, "Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsiraeri kuenda."
Shona SUB 2002 Bible
Farao akati, “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere izwi rake, kuti nditendere VaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi VaIsiraeri kuenda.”