Exodus 5:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakati kwaʋari: Jehova ŋgaakutarirei akutoŋgei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao naʋaranda ʋake, Mukaisa munondo muruʋoko rwaʋo wokutiʋuraya nawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vakati, “Jehovha ngaakutarirei uye akutongei! Matiita chinhu chinonhuwa kuna Faro namachinda ake uye maisa munondo muruoko rwavo kuti vatiuraye.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakavati, “Tenzi ngaakuonei, aone zvaangaite nemi nokuti imi mazotivengesa kwazvo naFarao namakurukota ake. Makaisa bakatwa mumaoko avo kuti vatiuraye zvavo naro.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakati kwavari, “Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.”
Shona 2009?
vakati kwavari, "Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo."
Shona SUB 2002 Bible
vakati kwavari, “Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.”