Exodus 5:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mosesi akadzokera kunaJehova, akati: Ishe, maitireiko ʋanhu aʋa ɀakaipa? Manditumireiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, mauyisireiko dambudziko pamusoro pavanhu ava? Ndizvo zvamakanditumira here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akaendazve kuna Tenzi akandoti, “Nhai Tenzi, ko makaitira vanhu venyu zvakaipa zvikadai nemhosva yeiko? Ko zvino makanditumireiko kuno?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mosesi akadzokera kuna Jehovha, akati, “Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko?
Shona 2009?
Ipapo Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, "Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko?
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Mosesi akadzokera kuna Jehovha, akati, “Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko?