Exodus 5:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kubva paŋguʋa yandakaenda nayo kunaFarao kundotaura nezita renyu, iye wakaitira ʋanhu aʋa ɀakaipa; hamuna‐kutoŋgorwira ʋanhu ʋenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva pandakaenda kuna Faro kuti ndinotaura muzita renyu, iye akauyisa dambudziko pamusoro pavanhu ava, uye imi hamuna kutongonunura vanhu venyu napaduku.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tarisai muone kubvira pamusi wandakaenda kuna Farao kundomuudza zvamakareva, Farao akabva atangawo kuitira vanhu venyu utsinye. Asi imi hamuna zvenyu kana kumbonunura vanhu venyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kundotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu.”
Shona 2009?
Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kundotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kunotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu.”