Exodus 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati: Mŋari waʋaHeberu wakasoŋgana nesu; ɗotitenderai kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova Mŋari weɗu; kuti arege kutiroʋa neɗenda kana nomunondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Zvino tiregei tifambe rwendo rwamazuva matatu kurenje kuti tinobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wedu, kuti arege kutirova namatambudziko kana nomunondo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivowo vakapindura vachiti, “Mwari wevaHebheru akasangana nesu. Dai mukatirega zvenyu tifambe rwendo rwamazuva matatu tichienda kurenje tindopira Tenzi, Mwari wedu mipiro. Kana tikarega kuzviita angatiuraye nedenda kana kutiparadza nehondo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo.”
Shona 2009?
Vakati, "Mwari wavaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo."
Shona SUB 2002 Bible
Vakati, “Mwari waVaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo.”