Exodus 5:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo weEgipita akati kwaʋari: Imi Mosesi naAroni, munotsausireiko ʋanhu pamaɓasa aʋo? Endai kumirimo yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mambo weIjipiti akati, “Mozisi naAroni, munobvisireiko vanhu pabasa ravo? Dzokerai kubasa renyu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo weIjipiti akati, “Ko iwe Mosesi newe Aroni, imhaka yei muchifurira vaIsiraeri kuti varege kuita basa ravo? Imi dzokerai kubasa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo weIjipiti akati kwavari, “Imi Mosesi naAroni, munotsautsireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumirimo yenyu.”
Shona 2009?
Ipapo mambo weIjipiti akati kwavari, "imwi Mozisi naAroni, munotsausireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumirimo yenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo weIjipiti akati kwavari, “Imi Mosesi naAroni, munotsautsireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumabasa enyu.”