Exodus 6:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akataura pamberi paJehova, akati: Tarirai, ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kunditerera; ɀino Farao uŋganditerera seiko, ini munhu unemiromo isina‐kudziŋgiswa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
As Mozisi akati kuna Jehovha, “Kana vaIsraeri vasinganditeereri, Faro anganditeerera seiko, sezvo ndichitaura nemiromo inokakama?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mosesi akataura pana Tenzi achiti, “Ko inga vaIsiraeri chaivo havana kunditeerera wani? Zvino iye Farao ndopaangabva anditeererawo iyeniwo zvangu ndisingagoni kutaura!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akataura pamberi paJehovha, akati, “Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?”
Shona 2009?
Mozisi akataura pamberi paJehovha, akati, "Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?"
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akataura pamberi paJehovha, akati, “Tarirai, vana VaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?”