Exodus 6:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni, akaʋatuma neshoko kuʋana ʋaIsraeri nokunaFarao, mambo weEgipita, kuti ʋaɓuɗise ʋana ʋaIsraeri munyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha akataura kuna Mozisi naAroni pamusoro pavaIsraeri napamusoro paFaro mambo weIjipiti, uye akavarayira kuti vabudise vaIsraeri kubva muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ndokutaurira Mosesi naAroni achiti, “Udzai vaIsiraeri namambo weIjipiti kuti ndini ndakakutumai kuzoburitsa vaIsiraeri muIjipiti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti.
Shona 2009?
Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeljipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni, akavatuma neshoko kuvana VaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana VaIsiraeri munyika yeIjipiti.