Exodus 6:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ereazari, mŋanakomana waAroni, akawana mumŋe waʋakunda ʋaPutieri, iye akamuɓerekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi nemhuri dzaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ereazari mwanakomana waAroni akawana mumwe wavanasikana vaPutieri, uye akamuberekera Finehazi. Ava ndivo vakanga vari vakuru vemhuri dzavaRevhi, imba neimba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ereazari mwanakomana waAroni akaroora mwana waPutieri ndokubereka Finehasi. Ivava ndivo madzitateguru omudzinza rokwaRevhi mhuri nemhuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.
Shona 2009?
Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.
Shona SUB 2002 Bible
Eriazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Finiasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.