Exodus 6:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mosesi akati pamberi paJehova: Tarirai, ndiri munhu unemiromo isina‐kudziŋgiswa, ɀino Farao ucanditerera seiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Sezvo ndichitaura nemiromo inokakama, Faro angateerera kwandiri seiko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mosesi akataura ipapo pana Tenzi achiti, “Tarisaika muone kuti ini kutaura handinyatsogona. Zvino munoti Farao anganditeererewo here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mosesi akati pamberi paJehovha, “Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?”
Shona 2009?
Ipapo Mozisi akati pamberi paJehovha, "Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Mosesi akati pamberi paJehovha, “Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?”