Exodus 6:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicakutorai imi kuti muʋe ʋanhu ʋaŋgu, ini ndicaʋa Mŋari wenyu; imi mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu, iye unokuɓuɗisai pamirimo yaʋaEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichakutorai savanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubvisai pasi pejoko ravaIjipita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichakuitai vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu. Kana ndakununurai muuranda muIjipiti, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi, Mwari wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yavaIjipiti.
Shona 2009?
Ndichakutorai imwi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yaIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamitoro yaVaIjipiti.