Exodus 6:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akataura saiɀoɀo kuʋana ʋaIsraeri, asi haʋana‐kuterera Mosesi nokuɗa kweshuŋgu dzomŋeya nedzoʋuranda bgakaŋga ʋucirema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akazivisa izvi kuvaIsraeri, asi havana kumuteerera nokuda kwokuora mwoyo kwavo uye nousungwa hune utsinye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akandoudza vaIsiraeri saizvozvo, asi havana kumuteerera nokuti mwoyo yavo yakanga yasviba pamusana penhamo yavaioneswa muuranda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga uchirema.
Shona 2009?
Mozisi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mozisi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga huchirema.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akataura saizvozvo kuvana VaIsiraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga uchirema.