Exodus 7:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati ʋo kunaMosesi: Uti kunaAroni: Tora tȿimbo yako, utambanudzire ruʋoko rwako pamsoro pemvura yaʋaEgipita, pamsoro penzizi dzaʋo, napamsoro pehoʋa dzaʋo, napamsoro pamadziʋa aʋo, napamsoro pamakaŋgwa aʋo ose, ɀishanduke ropa; riʋe’po panyika yose yeEgipita, mumidziyo yose yamatanda nemidziyo yamabge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yamatanda neyamabwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akatiwo kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uitambanudzire pamusoro pemvura yose yeIjipiti, pamusoro penzizi dzavo nemigero yavo namadhamu avo namadziva avo ose isanduke ive ropa. Richava ropa chete munyika yose yeIjipiti, mumidziyo yakavezwa nomumidziyo yamabwe.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akatiwo kuna Mosesi, “Uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose,’ zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.”
Shona 2009?
Jehovha akatiwo kuna Mozisi, "Uti kuna Aroni, `Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose,' zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe."
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akatiwo kuna Mosesi, “Uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yaVaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose,’ zvishanduke kuva ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.”