Exodus 7:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi naAroni ʋakaita seɀaʋakarairwa naJehova, ʋakasimudza tȿimbo, ʋakaroʋa mvura yakaŋga iri murwizi pamberi paFarao napamberi paʋaranda ʋake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, uye mvura yose ikashanduka ikava ropa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi naAroni vakaita zvakanga zvataurwa naTenzi. Aroni akasimudza tsvimbo iya akarova mvura yomuna Nairi Farao namachinda ake vachiona, mvura yose yomurwizi ikasanduka ikava ropa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa.
Shona 2009?
Mozisi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka kuita ropa.