Exodus 7:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hoʋe dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, ʋaEgipita ʋakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikaʋa’po panyika yose yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, Nairi rukava gutukutu kunhuhwa vaIjipiti vakatadza kunwa mvura yacho. Munyika yose yeIjipiti rakanga rangove ropa chete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti.
Shona 2009?
Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kumwa mvura yorwizi ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti.