Exodus 8:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi naAroni ʋakaɓuɗa munaFarao, Mosesi akaɗana kunaJehova nokuɗa kwamataca aakaŋga atuma kunaFarao.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi naAroni vakabva pana Faro, Mozisi akadana kuna Jehovha pamusoro pamatatya aakanga auyisa kuna Faro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi naAroni vakabva pana Farao paya. Mosesi akachema kuna Tenzi sokubvumirana kwaakanga aita naFarao achimukumbira kuti abvise matafi aakanga aunza kuna Farao.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi naAroni vakabuda muna Farao, Mosesi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.
Shona 2009?
Mozisi naAroni vakabuda muna Farao, Mozisi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi naAroni vakabuda muna Farao, Mosesi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.