Exodus 8:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Farao wakati aciʋona kuti ɀaʋa ɀirinani, akawomesa mŋoyo wake, akasaʋaterera; seɀakaŋga ɀarebga naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Faro akati aona kuti rusununguko rwakanga rwavapo, akaomesa mwoyo wake uye akasada kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi, Farao paakaona kuti dambudziko iri rapera, akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa mwoyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Shona 2009?
Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa moyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa mwoyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha.